Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 13:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. “Mumazuva anouya, paunenge uchibvunzwa nomwanakomana wako kuti, ‘Zvinoreveiko izvi?’ uti kwaari, ‘Noruoko rune simba Jehovha akatibudisa muIjipiti, munyika youtapwa.

15. Faro paakasindimara achiramba kuti tiende, Jehovha akauraya matangwe ose omuIjipiti, zvose vanhu nezvipfuwo. Ndokusaka ndichibayira kuna Jehovha mukono wokutanga wechibereko chechizvaro chose uye ndichidzikinura dangwe rimwe nerimwe ravanakomana vangu.’

16. Uye chichava chiratidzo paruoko rwako uye rundanyara pahuma yako kuti Jehovha akatibudisa kubva muIjipiti noruoko rune simba.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 13