Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 13:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. unofanira kupa kuna Jehovha chibereko chokutanga chezvizvaro zvose. Zvikono zvezvipfuwo zvako zvose zvinotanga kuzarura chibereko ndezvaJehovha.

13. Udzikinure negwayana mwana wose wokutanga wembongoro, asi kana usingaudzikinuri, uvhune mutsipa wawo. Udzikinure matangwe ose pakati pavanakomana vako.

14. “Mumazuva anouya, paunenge uchibvunzwa nomwanakomana wako kuti, ‘Zvinoreveiko izvi?’ uti kwaari, ‘Noruoko rune simba Jehovha akatibudisa muIjipiti, munyika youtapwa.

15. Faro paakasindimara achiramba kuti tiende, Jehovha akauraya matangwe ose omuIjipiti, zvose vanhu nezvipfuwo. Ndokusaka ndichibayira kuna Jehovha mukono wokutanga wechibereko chechizvaro chose uye ndichidzikinura dangwe rimwe nerimwe ravanakomana vangu.’

16. Uye chichava chiratidzo paruoko rwako uye rundanyara pahuma yako kuti Jehovha akatibudisa kubva muIjipiti noruoko rune simba.”

17. Faro akati atendera vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira nomumugwagwa waipinda nomunyika yavaFiristia, kunyange zvayo yakanga iri pfupi. Nokuti Mwari akati, “Kana vakasangana nehondo, vangashandura pfungwa dzavo vakadzokera kuIjipiti.”

18. Saka Mwari akatungamirira vanhu achipoterera nomumugwagwa womurenje vakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti vakapakata nhumbi dzehondo.

19. Mozisi akatora mapfupa aJosefa nokuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko. Akanga ati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva panzvimbo ino.”

20. Vakati vabva paSukoti vakadzika musasa paEtami pamucheto werenje.

21. Masikati Jehovha aivatungamirira neshongwe yegore kuti avatungamirire munzira yavo uye usiku aivatungamirira neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe, kuti vafambe masikati kana usiku.

22. Shongwe yegore masikati kana shongwe yemoto usiku hazvina kubva panzvimbo yazvo pamberi pavanhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 13