Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 12:28-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni.

29. Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo.

30. Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa.

31. Faro akadana Mozisi naAroni usiku akati, “Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi navaIsraeri! Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira.

32. Mutore makwai enyu nemombe, sezvamakareva, mugoenda. Uyewo mundiropafadze.”

33. VaIjipita vakakurudzira vanhu kuti vakurumidze kubva munyika. Nokuti vakati, “Zvimwe tingafa tose!”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 12