Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 12:27-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata.

28. VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni.

29. Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo.

30. Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa.

31. Faro akadana Mozisi naAroni usiku akati, “Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi navaIsraeri! Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira.

32. Mutore makwai enyu nemombe, sezvamakareva, mugoenda. Uyewo mundiropafadze.”

33. VaIjipita vakakurudzira vanhu kuti vakurumidze kubva munyika. Nokuti vakati, “Zvimwe tingafa tose!”

34. Saka vanhu vakatora mukanyiwa wavo usati waiswa mbiriso, vakatakura pamapfudzi avo mumidziyo yokukanyira vakazviputira mumicheka.

35. VaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naMozisi uye vakakumbira zvishongo zvesirivha, negoridhe uye nezvokupfeka.

36. Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipita, uye vakavapa zvavakakumbira; saka vakapamba vaIjipita.

37. VaIsraeri vakafamba kubva paRamesesi kusvikira kuSukoti. Kwakanga kuna varume mazana matanhatu ezviuru vaifamba netsoka, pasingaverengwi vakadzi navana.

38. Vamwe vanhu vazhinji vakaendawo navo, pamwe chete namapoka makuru ezvipfuwo, zvose makwai nemombe.

39. Vakabika makeke ezvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakabva nawo kuIjipiti. Mukanyiwa uyu wakanga usina mbiriso nokuti vakanga vadzingwa kubva muIjipiti uye havana kuwana nguva yokuti vazvigadzirire zvokudya.

40. Zvino nguva yakagara vanhu veIsraeri muIjipiti yakanga iri makore mazana mana namakumi matatu.

41. Pakupera kwamakore mazana mana namakumi matatu, kusvikira pazuva racho iroro, ungano yose yavanhu vaJehovha yakabva muIjipiti.

42. Usiku uhwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa muIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsraeri vose namarudzi avo ose.

43. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Iyi ndiyo mitemo yePasika:“Mutorwa haafaniri kuidya.

44. Nhapwa ipi zvayo yawakatenga ingadya hayo mushure mokunge wamudzingisa,

45. asi mueni uye nomunhu anoshandira mari haafaniri kuidya.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 12