Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 6:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama.

3. Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuiitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.

4. Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete.

5. Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose.

6. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu.

7. Uzvisimbisise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 6