Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 5:20-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. “Usapupura nhema pamusoro pomuvakidzani wako.

21. “Usachiva mudzimai womuvakidzani wako. Usachochora imba kana munda womuvakidzani wako, muranda kana murandakadzi wake, nzombe kana mbongoro kana chimwe chinhu chomuvakidzani wako.”

22. Iyi ndiyo mirayiro yakataurwa naJehovha nenzwi guru kuungano yenyu yose pagomo paya ari mukati memoto, mugore nerima guru, uye haana kuwedzera mamwe. Ipapo akaanyora pamahwendefa maviri amabwe ndokuapa kwandiri.

23. Pamakanzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, varume vose vanotungamira marudzi enyu, navakuru venyu vakauya kwandiri.

24. Uye makati, “Jehovha Mwari wedu atiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto. Nhasi taona kuti munhu anogona kurarama kunyange dai Mwari akataura naye.

25. Asi zvino, tingafireiko? Uyu moto mukuru uchatiparadza, uye tichafa kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu.

26. Nokuti ndianiko munhu anofa akambonzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, uye akararama?

27. Swedera undonzwa zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu. Zvino iwe ugozotiudza zvose hazvo zvauchaudzwa naJehovha Mwari wedu. Tichazvinzwa tigozviteerera.”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 5