Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 3:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. (Herimoni rinonzi Sirioni navaSidhoni; vaAmori vanoriti Seniri).

10. Takatora maguta ose enzvimbo yakakwirira neGireadhi yose, uye neBhashani yose kusvikira paSareka neEdhirei, maguta oushe hwaOgi muBhashani.

11. (Ogi mambo weBhashani ndiye chete akasara pane vakasara vevaRefaiti. Mubhedha wake wakanga wakagadzirwa nesimbi uye wakanga wakareba makubhiti mapfumbamwea uye makubhiti manab paupamhi. Uchiriko muRabha ravaAmoni.)

12. Panyika yatakatora panguva iyoyo, ndakapa vaRubheni navaGadhi nyika yokumusoro kweAroeri Mupata weArimoni, kusanganisira nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, pamwe chete namaguta ayo.

13. Imwe nyika yose yeGireadhi uyewo neBhashani yose, muumambo hwaOgi ndakapa kurudzi rwehafu rwaManase. (Nyika yose yeArigobhu muBhashani yaimbozivikanwa senyika yavaRefaimu.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 3