Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 3:24-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. “Imi Ishe Jehovha, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu noruoko rwenyu rune simba. Nokuti ndoupiko Mwari kudenga kana panyika angaita zvakafanana namabasa enyu uye namabasa makuru amunoita?

25. Nditenderei henyu kuti ndiyambuke ndinoona nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, iyo nyika yamakomo yakanaka neRebhanoni.”

26. Asi nokuda kwenyu, Jehovha akanditsamwira akasandinzwa Jehovha akati kwandiri, “Zvaringana. Usataurazve kwandiri pamusoro peshoko iri.

27. Kwira pamusoro pegomo rePisiga ugotarisa kumadokero nokumusoro nezasi nokumabvazuva, uone nyika yacho nameso ako, sezvo usingazoyambuki Jorodhani urwu.

28. Asi rayira Joshua, ugomukurudzira nokumusimbisa nokuti achatungamirira vanhu ava pakuyambuka uye achaita kuti vagare nhaka yenyika yauchaona.”

29. Saka takagara mumupata uri pedyo neBheti Peori.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 3