Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 3:15-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri.

16. Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa nyika inobva paGireadhi zvichidzika kusvikira paMupata weArinoni (pakati pemupata uriwo muganhu) uye kubuda kusvikira kuRwizi Jabhoki, unova ndiwo muganhu wavaAmoni.

17. Muganhu wayo wokumavirira waiva Jorodhani muArabha, kubva Kinereti kusvika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), mujinga mamawere ePisiga.

18. Panguva iyo ndakakurayirai, ndikati, “Jehovha Mwari wenyu akakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Asi varume vose vakasimba vanofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu vaIsraeri, vakashonga nhumbi dzokurwa.

19. Asi, vakadzi venyu navana venyu uye nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvakawanda) zvinosara mumaguta andakakupai,

20. kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.”

21. Panguva iyo ndakarayira Joshua, ndikati, “Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita zvimwe chetezvo kuushe hwose mhiri uko kwamunoenda.

22. Usavatya; Jehovha Mwari wako pachake achakurwira.”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 3