Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 3:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Jairi mwana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza zita rake zvokuti nanhasi Bhashani inonzi Havhoti Jairi.)

15. Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri.

16. Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa nyika inobva paGireadhi zvichidzika kusvikira paMupata weArinoni (pakati pemupata uriwo muganhu) uye kubuda kusvikira kuRwizi Jabhoki, unova ndiwo muganhu wavaAmoni.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 3