Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 3:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Panyika yatakatora panguva iyoyo, ndakapa vaRubheni navaGadhi nyika yokumusoro kweAroeri Mupata weArimoni, kusanganisira nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, pamwe chete namaguta ayo.

13. Imwe nyika yose yeGireadhi uyewo neBhashani yose, muumambo hwaOgi ndakapa kurudzi rwehafu rwaManase. (Nyika yose yeArigobhu muBhashani yaimbozivikanwa senyika yavaRefaimu.

14. Jairi mwana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza zita rake zvokuti nanhasi Bhashani inonzi Havhoti Jairi.)

15. Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 3