Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 28:48-58 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

48. naizvozvo munzara nenyota, mukushama nomuurombo hwakaipisisa, muchashandira vavengi vakatumwa naJehovha kuzokurwisai. Achaisa joko resimbi pamutsipa wako kusvikira akuparadza.

49. Jehovha achauyisa rudzi kubva kure kuzokurwisai, kubva kumigumo yenyika, segondo rinobhururuka, rudzi rune mutauro wamusinganzwisisi,

50. rudzi runotyisa kutarisa rusingakudzi vatana kana kunzwira tsitsi vaduku.

51. Vachaparadza zvibereko zvezvipfuwo zvenyu nezvirimwa zveminda yenyu kusvikira maparadzwa. Havangakusiyirii kana zviyo, waini itsva kana mafuta, kunyange mhuru dzemhou dzenyu kana makwayana amakwai enyu kusvikira maparadzwa.

52. Vachakomba maguta ose munyika yenyu yose kusvikira masvingo marefu amunovimba nawo awira pasi. Vachakomba maguta ose ari munyika yenyu yose yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.

53. Nokuda kwokutambudzwa nomuvengi panguva yaachakukombai, muchadya zvibereko zvezvizvaro zvenyu, nyama yavanakomana navanasikana vamakapiwa naJehovha.

54. Kunyange munhu uya munyoro anonzwisisa pakati penyu haazovi netsitsi kuhama yake chaiyo kana kumukadzi wake waanoda kana kuvana vake vaanoda vapenyu,

55. uye haangapi kune mumwe wavo nyama yevana vake yaari kudya. Ndiyo yoga yaachange asarirwa nayo nokuda kwokutambudzwa kwamuchaitwa nomuvengi wenyu panguva yaachakomba maguta enyu ose.

56. Mukadzi ane unyoro uye anonzwisisa pakati penyu, ane unyoro nokunzwisisa zvokuti haangatsiki pasi norutsoka rwake pakati penyu, achava nomufungo wakaipa kumurume waanoda nokumwanakomana kana mwanasikana wake

57. achangobva kuzvarwa kubva muchizvaro chake uye nevana vaanobereka. Nokuti anenge achida kuzovadya pakavanzika panguva yokukombwa nokutambudzwa kwamuchaitwa nomuvengi wenyu muri mumaguta enyu.

58. Kana mukasachenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu, akanyorwa mubhuku iri, uye mukasatya zita iri rinobwinya uye rinotyisa,

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 28