Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 27:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. “Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

16. “Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni.”

17. “Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

18. “Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

19. “Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 27