Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 23:4-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokuti havana kuuya kuzokuchingamidzai nechingwa nemvura parwendo rwenyu apo makabuda kubva muIjipiti, uye vakaripa Bharamu mwanakomana waBheori wePetori muAramu Naharaimu kuti akutukei.

5. Asi, Jehovha Mwari wenyu haana kuteerera Bharamu asi akashandura kutuka akakuropafadzai, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokudai.

6. Usatsvaka rugare kana ushamwari navo mazuva ose oupenyu hwako!

7. Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako. Usasema muIjipita nokuti wakagara somutorwa munyika yake.

8. Rudzi rwechitatu rwavana vake runogona harwo kupinda paungano yaJehovha.

9. Kana muchinge maungana kuti murwe navavengi venyu, zvichengetedzei kubva pazvinhu zvose zvakaipa.

10. Kana mumwe wavarume venyu asina kuchena nokuda kwokuti akazvirotera usiku, anofanira kubuda kunze kwomusasa agareko.

11. Asi kana ava madekwana anofanira kuzvigeza, uye pakuvira kwezuva ngaapinde zvake mumusasa.

12. Munofanira kuva nenzvimbo kunze kwomusasa kwamunofanira kuenda muchinozvibatsira.

13. Sezvo panhumbi dzenyu dzokurwa nadzo paine zvokucheresa, zvino kana uchinge wapedza kuzvibatsira, unofanira kufusira gomba rawazvibatsira.

14. Nokuti Jehovha Mwari wako anofamba-famba pamusasa wenyu achikuchengetedzai nokukurwirai kubva kuvavengi venyu. Musasa wenyu unofanira kuva mutsvene, kuitira kuti arege kuona zvisakarurama pakati penyu uye akazokufuratirai.

15. Kana muranda atizira kwauri, usamudzosera kuna tenzi wake.

16. Murege agare pakati penyu paanoda hake uye muguta ripi raachasarudza. Usamumanikidza.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 23