Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 2:25-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Nhasi chaiye ndichatanga kuvhundutsa nokutyisa ndudzi dzose dziri pasi pedenga nokuda kwenyu. Ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu vagodedera nokutya kwazvo pamusoro penyu.

26. Ndakatuma nhume kubva murenje reKedhemoti kuna Sihoni mambo weHeshibhoni ndichikumbira rugare, uye ndikati,

27. “Titenderei kuti tipfuure nomunyika yenyu. Tichafamba nenzira huru; hatizotsauki kurudyi kana kuruboshwe.

28. Mutitengesere zvokudya nemvura yokunwa nomutengo wazvo wesirivha. Chingotitenderai henyu kuti tipfuure netsoka,

29. sezvatakaitirwa navana vaEsau vagere muSeiri, nevana vaMoabhu, vagere muAri. Kusvikira tayambuka Jorodhani tichipinda munyika iyo yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.”

30. Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akaramba kutitendera kuti tipfuure namo. Nokuti Jehovha Mwari wenyu akanga aomesa mweya wake uye akanga arambidza mwoyo wake, kuti agomuisa mumaoko enyu, sezvaaita iye zvino.

31. Jehovha akati kwandiri, “Tarira ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri. Zvino chitanga kuikunda ugotora nyika yake.”

32. Sihoni nehondo yake yose akati auya kuzorwa nesu paJahazi,

33. Jehovha Mwari wedu akamuisa kwatiri uye takamuparadza, iye pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose.

34. Panguva iyoyo takatora maguta ake ose tikaaparadza chose, varume navakadzi uye navana. Hapana watakasiya ari mupenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 2