Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 2:21-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vaiva vanhu vakasimba, vakawanda, uye vakareba savaAnaki. Jehovha akavaparadza pamberi pavaAmoni, avo vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo.

22. Jehovha akanga aitira zvimwe chetezvo kuzvizvarwa zvaEsau, vaigara muSeiri, paakaparadza vaHori pamberi pavo. Vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo kusvikira nhasi.

23. Uye kana vari vaAvhi vakange vagere mumisha kusvikira Gaza, vaKafitori vaibva Kafitori vakavaparadza ndokugara munzvimbo yavo.)

24. Budai zvino muende, muyambuke mupata weArinoni. Tarirai ndakaisa muruoko rwenyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake. Tangai kuitora mugorwa naye.

25. Nhasi chaiye ndichatanga kuvhundutsa nokutyisa ndudzi dzose dziri pasi pedenga nokuda kwenyu. Ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu vagodedera nokutya kwazvo pamusoro penyu.

26. Ndakatuma nhume kubva murenje reKedhemoti kuna Sihoni mambo weHeshibhoni ndichikumbira rugare, uye ndikati,

27. “Titenderei kuti tipfuure nomunyika yenyu. Tichafamba nenzira huru; hatizotsauki kurudyi kana kuruboshwe.

28. Mutitengesere zvokudya nemvura yokunwa nomutengo wazvo wesirivha. Chingotitenderai henyu kuti tipfuure netsoka,

29. sezvatakaitirwa navana vaEsau vagere muSeiri, nevana vaMoabhu, vagere muAri. Kusvikira tayambuka Jorodhani tichipinda munyika iyo yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.”

30. Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akaramba kutitendera kuti tipfuure namo. Nokuti Jehovha Mwari wenyu akanga aomesa mweya wake uye akanga arambidza mwoyo wake, kuti agomuisa mumaoko enyu, sezvaaita iye zvino.

31. Jehovha akati kwandiri, “Tarira ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri. Zvino chitanga kuikunda ugotora nyika yake.”

32. Sihoni nehondo yake yose akati auya kuzorwa nesu paJahazi,

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 2