Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 16:7-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Igochei mugoidyira panzvimbo yamuchasarudzirwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo. Zvino kana ava mangwanani mudzokere kumatende enyu.

8. Kwamazuva matanhatu mudye chingwa chisina mbiriso uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano kuna Jehovha Mwari wenyu uye murege kushanda.

9. Verengai mavhiki manomwe kubva panguva yamunotanga kucheka gorosi.

10. Ipapo upemberere Jehovha Mwari wako Mutambo waMavhiki nokupa chipo chokuda kwako maererano nokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako.

11. Uye ufare pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere pakati penyu.

12. Rangarirai kuti maiva varanda muIjipiti, uye muchenjerere kuchengeta mirayiro iyi.

13. Upemberere Mutambo waMatumba mazuva manomwe mushure mokunge wapedza kuunganidza zvawawana paburiro rako napachisviniro chako.

14. Ufare kwazvo paMutambo wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu.

15. Kwamazuva manomwe upemberere Mutambo kuna Jehovha Mwari wako panzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza mukukohwa kwako kwose nomubasa rako rose ramaoko ako, uye mufaro wako uchazadziswa.

16. Katatu pagore varume vose pakati penyu vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo achasarudza: panguva yoMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, noMutambo waMavhiki uye noMutambo waMatumba. Hapana munhu anofanira kuuya asina chaakabata pamberi paJehovha:

17. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuya nechipo chakaenzanirana nokuropafadzwa kwaakaitwa naJehovha Mwari wenyu.

18. Gadzai vatongi navakuru kurudzi rumwe norumwe rwenyu muguta rimwe nerimwe ramuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, uye vagotonga vanhu nokutonga kwakanaka.

19. Musatsauka pakururamisa kana kuita rusaruro. Musagamuchira fufuro, nokuti fufuro rinopofumadza meso owakachenjera uye rinominamisa mashoko avakarurama.

20. Teverai kururamisa uye kururamisisa chete, kuitira kuti mugorarama uye mugotora nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.

21. Musazvimisira matanda api zvawo aAshera parutivi pearitari yamunovakira Jehovha Mwari wenyu.

22. Uye musamisa dombo rinoera, nokuti izvi Jehovha Mwari wenyu anozvivenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 16