Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 12:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Iyi ndiyo mitemo nemirayiro yamunofanira kuchenjera kuti mutevere munyika iyo Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, yaakakupai kuti ive yenyu, mazuva ose amuchagara munyika iyi.

2. Paradzai chose nzvimbo dzose dziri pamakomo akakwirira nepazvikomo zvose uye napasi pemiti yose yakapfumvutira apo ndudzi dzose dzamunotorera nyika dzinoshumira vamwari vadzo.

3. Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo ose anoera uye mupise matanda avo aAshera; temai zvifananidzo zvavo nezvimwari zvavo uye mugodzima mazita avo panzvimbo idzodzo.

4. Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo.

5. Asi munofanira kutsvaka nzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose kuti aise Zita rakepo paanozogarapo. Kunzvimbo iyoyo ndiko kwamunofanira kuenda;

6. ipapo ndipo panofanira kuuyiswa zvipiriso nezvinopiswa zvenyu zvegumi zvenyu nezvipo zvamakatsaura, zvamakapikira kuti muchapa uye nezvipo zvokuda kwenyu, nezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu uye nezvibereko zvokutanga zvamakwai enyu.

7. Ipapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi nemhuri dzenyu muchadya nokupembera pamusoro pezvinhu zvose zvamakabata namaoko enyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzai.

8. Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe achiita zvaanoona zvakakodzera kuita,

9. sezvo musati masvika panzvimbo yezororo nenhaka yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu.

10. Asi muchayambuka Jorodhani mugogara munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, uye achakupai zororo kubva kuvavengi venyu vose vakakukomberedzai kuitira kuti mugare murugare.

11. Zvino kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo, ipapo munofanira kuuyisa zvose zvandakakurayirai zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvibayiro, zvegumi zvenyu nezvipo zvakatsaurwa, uye zvinhu zvose zvakaisvonaka zvamakapikira kuna Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 12