Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Nzvimbo imwe chete yokushumira muri

1. Iyi ndiyo mitemo nemirayiro yamunofanira kuchenjera kuti mutevere munyika iyo Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, yaakakupai kuti ive yenyu, mazuva ose amuchagara munyika iyi.

2. Paradzai chose nzvimbo dzose dziri pamakomo akakwirira nepazvikomo zvose uye napasi pemiti yose yakapfumvutira apo ndudzi dzose dzamunotorera nyika dzinoshumira vamwari vadzo.

3. Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo ose anoera uye mupise matanda avo aAshera; temai zvifananidzo zvavo nezvimwari zvavo uye mugodzima mazita avo panzvimbo idzodzo.

4. Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo.

5. Asi munofanira kutsvaka nzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose kuti aise Zita rakepo paanozogarapo. Kunzvimbo iyoyo ndiko kwamunofanira kuenda;

6. ipapo ndipo panofanira kuuyiswa zvipiriso nezvinopiswa zvenyu zvegumi zvenyu nezvipo zvamakatsaura, zvamakapikira kuti muchapa uye nezvipo zvokuda kwenyu, nezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu uye nezvibereko zvokutanga zvamakwai enyu.

7. Ipapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi nemhuri dzenyu muchadya nokupembera pamusoro pezvinhu zvose zvamakabata namaoko enyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzai.

8. Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe achiita zvaanoona zvakakodzera kuita,

9. sezvo musati masvika panzvimbo yezororo nenhaka yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu.

10. Asi muchayambuka Jorodhani mugogara munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, uye achakupai zororo kubva kuvavengi venyu vose vakakukomberedzai kuitira kuti mugare murugare.

11. Zvino kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo, ipapo munofanira kuuyisa zvose zvandakakurayirai zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvibayiro, zvegumi zvenyu nezvipo zvakatsaurwa, uye zvinhu zvose zvakaisvonaka zvamakapikira kuna Jehovha.

12. Zvino ipapo mugopembera pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi navanakomana venyu navanasikana venyu, varanda venyu navarandakadzi venyu, uye navaRevhi vari mumaguta enyu, avo vasina mugove kana nhaka yavo.

13. Muchenjerere kuti musabayira zvipiriso zvenyu zvinopiswa pose pose pamunoda.

14. Muzvipe chete panzvimbo ichatsaurwa naJehovha mune rumwe rwamarudzi enyu, uye ipapo muchapa zvipiriso zvenyu zvinopiswa uye muchaita zvose zvandinokurayirai.

15. Zvisinei hazvo, mungabaya henyu zvipfuwo zvenyu mumaguta enyu uye mugodya nyama pamunodira, sokunge nyama yemhara kana yenondo maererano nokuropafadzwa kwamunopiwa naJehovha Mwari wenyu. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo.

16. Asi hamufaniri kudya ropa; munofanira kuriteurira pasi semvura.

17. Hamufaniri kudyira mumaguta enyu chegumi chezviyo zvenyu nechewaini yenyu itsva nechamafuta, kana chezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu namakwai enyu, kana chipi zvacho chamakapikira kupa, kana zvipo zvokuda kwenyu kana zvipo zvakatsaurwa.

18. Asi, munofanira kuti muzvidye muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza imi, vanakomana venyu navanasikana venyu, varandarume navarandakadzi venyu, navaRevhi vari mumaguta enyu uye munofanira kupembera pamberi paJehovha Mwari wenyu pamusoro pezvinhu zvose zvamuchabata namaoko enyu.

19. Chenjerai kuti murege kukanganwa vaRevhi nguva yose yamuchagara munyika yenyu.

20. Kana Jehovha Mwari wako achinge akurisa nyika yako sezvaakakuvimbisa, uye iwe ukapanga nyama ukati, “Ndinoda nyama,” ipapo uchadya nyama yakawanda sezvaunoda.

21. Kana nzvimbo iyo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise Zita rakepo iri kure newe zvikuru, ungabaya hako zvipfuwo kubva pamombe dzako namakwai ako zvawakapiwa naJehovha, sezvandakurayira, mumaguta ako ungadya nyama yakawanda sezvaunoda.

22. Uzvidye sounodya nyama yemhara kana yenondo. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo.

23. Asi uchenjere kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndihwo upenyu, naizvozvo haufaniri kudya upenyu pamwe chete nenyama.

24. Haufaniri kudya ropa, uriteurire pasi semvura.

25. Usaridya, kuti zvive zvakakunakira iwe navana vako vachakutevera, nokuti unenge uchiita zvakanaka pamberi paJehovha.

26. Asi utore zvinhu zvako zvitsvene nazvose zvawakapika kuti uchazvipa, ugoenda nazvo kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha.

27. Uise zvipiriso zvako zvinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wako, zvose zviri zviviri, nyama neropa. Ropa rezvibayiro zvako rinofanira kudururwa parutivi pearitari yaJehovha Mwari wako, asi ungadya zvako nyama yacho.

28. Uchenjerere kuteerera mitemo yose yandinokupa, kuti zvive zvakakunakira nguva dzose iwe navana vako vachatevera mushure mako, nokuti unenge uchiita zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

29. Jehovha Mwari wenyu achaparadza kubva pamberi penyu ndudzi dzamava kuda kurwisa nokutorera nyika. Asi kana muchinge madzidzinga uye magara munyika yavo,

30. uye mushure mokunge vaparadzwa pamberi penyu, muchenjerere kuti murege kunyengerwa muchibvunza nezvavamwari vavo, muchiti, “Ko, ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo sei? Tichaitawo sezvavanoita.”

31. Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo, nokuti mukushumira vamwari vavo, vanoita zvinhu zvose zvose zvinonyangadza zvinovengwa naJehovha. Vanopisa kunyangwe vanakomana navanasikana vavo mumoto sezvibayiro kuna vamwari vavo.

32. Munofanira kuita zvose zvandakakurayirai; musawedzera pazviri kana kubvisa kubva pazviri.