Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 11:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Asi aiva meso enyu akaona zvinhu zvose izvi zvakaitwa naJehovha.

8. Naizvozvo chengetai mirayiro yose yandinokupai nhasi, kuti muve nesimba rokupinda nokutora nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mundoita yenyu,

9. uye kuti mazuva enyu ave mazhinji munyika iyo Jehovha akapikira kumadzitateguru enyu kuti achavapa ivo nezvizvarwa zvavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.

10. Nyika yamuri kupinda kundotora haina kufanana nenyika yeIjipiti, uko kwamakabva, uko kwamaidyara mbeu dzenyu muchidirira namakumbo sezvinoitwa mubindu romuriwo.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 11