Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 11:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Idai Jehovha Mwari wenyu uye muchengete zvaakatema, mitemo yake, nemirayiro yake uye nezvaakarayira, nguva dzose.

2. Murangarire nhasi kuti vana venyu havasivo vakaona nokuziva kuranga kwaJehovha Mwari wenyu: noukuru hwake, noruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa;

3. nezviratidzo zvaakaita uye zvinhu zvaakaita pakati peIjipiti, nokuna Faro mambo weIjipiti uye nokunyika yake yose;

4. zvaakaita kuhondo yavaIjipita, nokumabhiza nengoro dzayo, mafukidzirwo avakaitwa nemvura yomuGungwa Dzvuku pavakanga vachikuteverai, uye kuuyisa kwakaita Jehovha kuparadzwa pamusoro pavo zvachose.

5. Havasi vana venyu vakaona zvaakakuitirai murenje kusvikira masvika panzvimbo ino,

6. uye nezvaakaita kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu muRubheni, apo nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza ivo nevedzimba dzavo, namatende avo nezvipenyu zvose zvakanga zviri zvavo, pakati pavaIsraeri vose.

7. Asi aiva meso enyu akaona zvinhu zvose izvi zvakaitwa naJehovha.

8. Naizvozvo chengetai mirayiro yose yandinokupai nhasi, kuti muve nesimba rokupinda nokutora nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mundoita yenyu,

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 11