Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 10:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Naizvozvo, dzingisai mwoyo yenyu, uye murege kuva nemitsipa mikukutu zvakare.

17. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavaMwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro.

18. Iye anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka.

19. Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti.

20. Ityai Jehovha Mwari wenyu mugomushumira. Batirirai paari uye muite mhiko dzenyu muzita rake.

21. Ndiye rumbidzo yenyu; ndiye Mwari wenyu, iye akakuitirai zvinhu zvikuru nezvishamiso zvinotyisa zvamakaona nameso enyu.

22. Madzitateguru enyu akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe pamwe chete, uye zvino Jehovha Mwari wenyu achaita kuti muwande senyeredzi dzokudenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 10