Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 10:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. nokuchengeta mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire?

14. Denga, kunyange nedenga rokumusorosoro, nenyika nezvose zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako.

15. Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, vana vavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi.

16. Naizvozvo, dzingisai mwoyo yenyu, uye murege kuva nemitsipa mikukutu zvakare.

17. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavaMwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro.

18. Iye anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka.

19. Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 10