Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwira kunyika yamakomo.