Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 1:39-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora.

40. Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.”

41. Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwira kunyika yamakomo.

42. Asi Jehovha akataura kwandiri, akati, “Vaudze kuti, ‘Musakwira kundorwa, nokuti handiendi nemi. Muchakundwa navavengi venyu.’ ”

43. Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo.

44. VaAmori vakanga vagere mumakomo iwayo vakauya kuzokurwisai; vakakudzinganisai sezvinoita nyuchi uye vakakurovai kubva paSeiri kusvikira paHoma.

45. Makadzoka mukachema pamberi paJehovha, asi iye haana kuteerera kuchema kwenyu uye haana kurerekera nzeve yake kwamuri.

46. Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yose yamakagarapo.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 1