Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 5:22-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. “Asi imi mwanakomana wake, imi Bherishazari, hamuna kuzvininipisa, kunyange maiziva henyu chinhu ichi.

23. Pamusoro pezvo imi makasarudza kurwa naishe wokudenga. Makaita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu makanwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha negoridhe, nendarira, nesimbi, namatanda namabwe, zvisingagoni kuona kana kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose.

24. Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa.

25. “Izvi ndizvo zvakanyorwa: MENE, MENE, TEKERE, UFASINI.

26. “Hezvino zvinoreva mashoko aya: Mene: Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa.

27. Tekere: Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka.

28. Peresi: Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.”

29. Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akange ava mutongi wapamusoro wechitatu muushe.

30. Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa,

31. Dhariasi muMedhia akatora umambo, ana makore makumi matanhatu namaviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 5