Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 5:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo.

2. Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa naBaba vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye varongo vake vanwiremo.

3. Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakamwira mairi.

4. Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe nesirivha, nevendarira, simbi namatanda namabwe.

5. Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 5