Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 4:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mambo Nebhukadhinezari, kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru!

2. Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro.

3. Zviratidzo zvake zvikuru sei, zvishamiso zvake zvine simba sei! Umambo hwake umambo husingaperi; kubata kwake ushe hunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa.

4. Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndiri mumba mumuzinda wangu, ndakanyatsogutsikana uye ndichinyatsobudirira.

5. Ndakarota hope dzakandityisa. Pandakanga ndivete pamubhedha wangu, zvifananidzo nezviratidzo zvakapinda mupfungwa dzangu zvakandivhundutsa.

6. Saka ndakarayira kuti varume vakachenjera veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu kuti vazondidudzira kurota uku.

7. N'anga, navaya vanofarira mazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi vakati vauya, ndakavaudza kurota kwangu, asi havana kugona kundidudzira.

8. Pakupedzisira, Dhanieri akauya pamberi pangu ndikamuudza kurota kwangu. (Ndiye anonzi Bheriteshazari, akapiwa zita ramwari wangu, uye mweya wavamwari vatsvene uri maari.)

9. Ndakati, “Bheriteshazari, iwe mukuru wen'anga, ndinoziva kuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chinokuomera. Hezvi zvandakarota; chindidudzira.

10. Hezvi zvandakaratidzwa, zvandakaona ndivete pamubhedha wangu: Ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pamire muti, uri pakati penyika. Kureba kwawo kwakanga kuri kukuru kwazvo.

11. Muti wakakura ukasimba uye manhengenya awo aisvika kudenga; wakanga uchioneka kusvika kumigumo yenyika.

12. Mashizha awo akanga akanaka, uye michero yawo yakawanda chose, uye pamusoro pawo pakanga pane zvokudya zvazvose. Mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, uye shiri dzedenga dzaimhara pamatavi awo; zvipenyu zvose zvaidya pauri.

13. “Ndakaona muzviratidzo, ndakavata pamubhedha wangu, ndikatarisa, ipapo pamberi pangu pakanga pano mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 4