Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 2:29-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. “Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakadzokera pazvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika.

30. Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu.

31. “Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho.

32. Musoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira,

33. makumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu.

34. Muchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya.

35. Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose.

36. “Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo.

37. Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya,

38. akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe.

39. “Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, huduku kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose.

40. Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inoputsa nokupwanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvi huchapwanya nokuputsanya humwe hwose.

41. Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mauri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu.

42. Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 2