Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 2:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru uye kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kun'anga ipi zvayo kana vaya vanoda zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi.

11. Zvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.”

12. Izvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe.

13. Saka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo.

14. Arioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara.

15. Iye akabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho.

16. Nokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya.

17. Ipapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vana Hanania, naMishaeri naAzaria.

18. Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi.

19. Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga

20. akati, “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperiperi; uchenjeri nesimba ndezvake.

21. Iye anoshandura nguva nenhambo; ndiye anogadza madzimambo nokuabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 2