Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 12:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa.

2. Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.

3. Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.

4. Asi iwe, Dhanieri, vhara uye uname mashoko orugwaro kusvikira pamazuva okupedzisira. Vazhinji vachaenda kwose kwose kuti vawedzere zivo.”

5. Ipapo ini, Dhanieri, ndakatarisa uye hapo pamberi pangu pakanga pamire vamwe vaviri, mumwe kumhenderekedzo.

6. Mumwe wavo akati kumunhu akanga akapfeka nguo yomucheka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi akati, “Kusvikira riniko zvinhu zvinoshamisa izvi zvisati zvazadziswa?”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 12