Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 11:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “Mumwe anobva mumhuri yake achamutswa kuti atore nzvimbo yake. Acharwisa mauto amambo woKumusoro agopinda munhare yake; iye acharwa navo agovakunda.

8. Achatapawo vamwari vavo, zvifananidzo zvavo zvesimbi nezvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha negoridhe agozvitakura achienda nazvo kuIjipiti. Achazosiya mambo woKumusoro ari oga kwamakore.

9. Ipapo mambo woKumusoro acharwisa umambo hwamambo weZasi asi achizodzokera hake kunyika yake.

10. Vanakomana vake vachagadzirira kurwa uye vachaunganidza hondo huru, ichakukura samafashamu emvura ane simba vagorwa kusvikira kunhare yake.

11. “Ipapo mambo weZasi achafora akatsamwa kwazvo kuti azorwisa mambo woKumusoro, uyo achamutsa hondo huru, asi ichizokundwa.

12. Kana varwi vaendwa navo, weZasi achazara nokuzvikudza uye achauraya zviuru zvizhinji, asi zvazvo haazorambi achikunda.

13. Nokuti mambo woKumusoro achaumba imwe hondo, yakakura kupfuura yokutanga; uye shure kwamakore mazhinji, achaenda kundorwa ane hondo huru huru yakashongedzwa zvakakwana.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 11