Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 8:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,

6. muchitenga varombo nesirivha uye vanoshayiwa neshangu, muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.

7. Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.

8. “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here uye vose vanogara mairi havangachemi? Nyika yose ichadira seNairi, ichabvongodzwa uye igoderera sorwizi rweIjipiti.

9. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 8