21. Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndazviita pamberi paJehovha, iye akandisarudza pachinzvimbo chababa vako kana mumwe munhu upi zvake muimba yake uye akandiita kuti ndive mutongi wavanhu vaJehovha, vaIsraeri; naizvozvo ndichapembera pamberi paJehovha.
22. Ndichazvideredza kupfuura izvi, uye ndichazvininipisa pachangu. Asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.”
23. Uye Mikari mwanasikana waSauro haana kubereka vana kusvikira pazuva rokufa kwake.