Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 5:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. VaFiristia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakakwira vose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa ndokubva aburukira kunhare.

18. Zvino vaFiristia vakanga vauya vakapararira muMupata weRefaimu.

19. Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFiristia? Ko, muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akamupindura akati, “Enda, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFiristia mumaoko ako.”

20. Naizvozvo Dhavhidhi akaenda kuBhaari Perazimu, uye ikoko akavakunda. Akati, “Sokupaza kunoita mvura, Jehovha apaza vavengi vangu pamberi pangu.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Bhaari Perazimu.

21. VaFiristia vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo.

22. VaFiristia vakadzokazve uye vakapararira muMupata weRefaimu;

23. saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha, iye akapindura akati, “Musakwira makavananga, asi potererai nokumashure kwavo ugovarwisa mberi kwemiti yemibharisamu.

24. Pamunongonzwa ruzha rwokufamba kwavanhu pamusoro pemiti yemibharisamu, mubve mafamba nokukurumidza, nokuti zvichareva kuti Jehovha aenda mberi kwenyu kuti aparadze hondo yavaFiristia.”

25. Naizvozvo Dhavhidhi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha, uye akaparadza vaFiristia kubva paGibheoni kusvika kuGezeri.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 5