Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 5:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Simba rake rakaramba richiwedzerwa, nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose aiva naye.

11. Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda omusidhari, navavezi navavaki vanoshandisa matombo uye vakavakira Dhavhidhi muzinda.

12. Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo weIsraeri uye akanga asimudzira umambo hwake nokuda kwavanhu vake Israeri.

13. Mushure mokunge abva paHebhuroni, Dhavhidhi akazvitorera vamwe varongo navakadzi muJerusarema, uye akaberekerwa vamwe vanakomana navanasikana.

14. Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shobhabhi, Natani, Soromoni,

15. Ibhari, Erishua, Shamua, Nefegi, Jafia,

16. Erishama, Eriadha naErifereti.

17. VaFiristia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakakwira vose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa ndokubva aburukira kunhare.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 5