asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.