Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 22:43-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

43. Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika;ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.

44. Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu;makandichengetedza somutungamiri wendudzi.Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.

45. Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera.

46. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.

47. “Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu!

48. Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,

49. anondisunungura kubva kuvavengi vangu.Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu;kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.

50. Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi;ndicharumbidza zita renyu nenziyo.

51. Iye anopa mambo wake kukunda kukuru;anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake,kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 22