Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 22:22-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.

23. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;handina kutsauka kubva pamitemo yake.

24. Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.

25. Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu,maererano nokuchema kwangu pamberi pake.

26. “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,

27. kune vakachena munozviratidza makachena,asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.

28. Munoponesa vanozvininipisa,asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.

29. Imi muri mwenje wangu, Jehovha;Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.

30. Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa nechikwata chavarwi;naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

31. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 22