Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 2:2-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Naizvozvo Dhavhidhi akaendako navakadzi vake vaviri, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri.

3. Dhavhidhi akatorawo varume vose vaaiva navo, mumwe nomumwe nemhuri yake, akandogara muHebhuroni nomumaguta omo.

4. Ipapo varume veJudha vakauya paHebhuroni vakazodzapo Dhavhidhi kuti ave mambo weimba yaJudha. Zvino Dhavhidhi paakanzwa kuti varume veJabhesi Gireadhi ndivo vakanga vaviga Sauro,

5. akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita.

6. Zvino Jehovha ngaachikuitirai tsitsi nokutendeka, uye neniwo ndichakuitirai zvimwe chetezvo nokuti imi makaita izvozvi.

7. Naizvozvo ivai nesimba nokutsunga, nokuti Sauro tenzi wenyu afa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wavo.”

8. Zvichakadaro, Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, akanga atora IshiBhosheti mwanakomana waSauro, akandomuisa kuMahanaimu.

9. Akamugadza kuti ave mambo weGireadhi, Ashuri neJezireeri, uyewo pamusoro peEfuremu, Bhenjamini neIsraeri yose.

10. Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakore makumi mana paakava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore maviri. Kunyange zvakadaro, imba yaJudha yakatevera Dhavhidhi.

11. Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni yaisvika makore manomwe nemwedzi mitanhatu.

12. Abhineri mwanakomana waNeri, pamwe chete navaranda vaIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, vakabva paMahanaimu vakaenda kuGibheoni.

13. Joabhu mwanakomana waZeruya navaranda vaDhavhidhi vakandosangana navo padziva reGibheoni. Vakagara pasi mhiri kwedziva, rimwe boka ndokugara kuno rumwe rutivi.

14. Ipapo Abhineri akati kuna Joabhu, “Ngatiitei kuti mamwe majaya edu asimuke arwe namaoko pamberi pedu.” Joabhu akati, “Zvakanaka, ngavaite izvozvo.”

15. Naizvozvo vakasimuka vakaverengwa varume gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshiBhosheti mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri kurutivi rwaDhavhidhi.

16. Ipapo mumwe nomumwe akabata musoro wewaairwa naye ndokumubaya nebakatwa parutivi pake, vose ndokuwira pasi. Naizvozvo nzvimbo iyoyo iri muGibheoni yakatumidzwa kuti Herikati Hazurimi.

17. Kurwa kwezuva iroro kwakatyisa kwazvo, uye Abhineri navarume veIsraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.

18. Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo vaiti: Joabhu, Abhishai naAsaheri. Zvino Asaheri aimhanya zvikuru kwazvo sechengu.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 2