Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 13:9-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Akatora pani ndokumupa chingwa, asi iye akaramba kudya. Amunoni akati, “Vanhu vose ngavabude muno.” Saka vanhu vose vakabuda.

10. Amunoni ndokubva ati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muno mumba mangu mokurara ndidye zvichibva muruoko rwako.” Zvino Tamari akatora chingwa chaakanga abika akaenda nacho mumba yokurara yehanzvadzi yake Amunoni.

11. Asi akati achimupa kuti adye, iye akamubata akati, “Uya urare neni, hanzvadzi yangu.”

12. Iye akati kwaari, “Kwete, hanzvadzi yangu! Usandichinya. Chinhu chakadai hachifaniri kuitwa muIsraeri! Usaita chinhu chakaipa zvakadai.

13. Ko, ini ndichavei? Uchava somumwe wamapenzi akaipa muIsraeri. Ndapota, taura namambo; haangamborambi kuti ndiroorwe newe.”

14. Asi iye akaramba kumuteerera, uye nokuti akanga ane simba kumudarika, akamubata chibharo.

15. Ipapo Amunoni akabva amuvenga nokuvenga kukuru kwazvo, akamuvenga kupfuura kumuda kwaaiva ambomuita. Amunoni akati kwaari, “Muka uende!”

16. Iye akati kwaari, “Kwete! Kundidzinga muno kwakashata kudarika zvawatondiita nechakare.” Asi iye akaramba kumuteerera.

17. Akadana muranda wake akati kwaari, “Dzinga mukadzi uyu abve muno uye ukiye mukova kana achinge abuda.”

18. Ipapo muranda wake akumubudisa panze akakiya mukova shure kwake. Akanga akapfeka nguo yaikosha zvikuru yaipenya, nokuti ndidzo nguo dzaipfekwa navanasikana vamambo vaiva mhandara.

19. Tamari akazvizodza madota akabvarura nguo inokosha yaakanga akapfeka. Akabata musoro wake ndokuenda achichema zvikuru.

20. Hanzvadzi yake Abhusaromu akati kwaari, “Ko, ndiAmunoni, hanzvadzi yako, anga anewe here? Chinyarara zvako, hanzvadzi; iye ihanzvadzi yako. Usanyanyozvidya mwoyo nazvo.” Uye Tamari akagara mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake, akava mukadzi akasurukirwa.

21. Zvino mambo Dhavhidhi akati anzwa zvose izvi, akatsamwa kwazvo.

22. Abhusaromu haana kana kumbotaura shoko kuna Amunoni, rakanaka kana rakaipa; akavenga Amunoni nokuti akanga akanyadzisa hanzvadzi yake Tamari.

23. Mushure mamakore maviri; vavevuri vamakwai aAbhusaromu pavakanga vari paBhaari Hazori pedyo nomuganhu weEfuremu, akakoka vanakomana vose vamambo kuti vauye ikoko.

24. Abhusaromu akaenda kuna mambo akandoti, “Muranda wenyu aita kuti vavevuri vauye. Ndapota, ko, mambo namakurukota ake haangauyi kuzova neni here?”

25. Mambo akapindura akati, “Kwete, mwanakomana wangu. Hatifaniri kuenda tose; tingazova mutoro kwauri.” Kunyange zvazvo akamugombedzera, akaramba kuenda, asi akamuropafadza.

26. Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu munun'una wangu Amunoni kuti aende nesu.” Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko, nemi?”

27. Asi Abhusaromu akavanyengetedza, saka akazotendera Amunoni navanakomana vose vamambo kuti vaende navo.

28. Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.”

29. Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 13