Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 13:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Munguva iyoyo, Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akachiva Tamari, hanzvadzi yaAbhusaromu mwanakomana waDhavhidhi yakanga yakanaka kwazvo.

2. Amunoni akatambudzika kusvikira pakurwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake, nokuti hazvaigona kuti amuite chimwe chinhu.

3. Zvino Amunoni aiva neshamwari yake yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu akanga ari munhu aiva namano.

4. Akabvunza Amunoni akati, “Seiko, iwe mwanakomana wamambo, uchipunyaira mangwanani oga oga? Haungandiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun'una wangu Abhusaromu.”

5. Jonadhabhu akati, “Enda unorara unyepedzere kurwara. Zvino kana baba vako vauya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvokudya. Ndinoda kuti agadzire zvokudya ini ndichiona kuti ndimuone uye ipapo ndigodya zvichibva mumaoko ake.’ ”

6. Saka Amunoni akavata pasi akanyepedzera kurwara. Zvino mambo paakauya kuzomuona, Amunoni akati kwaari, “Ndinokumbira kuti Tamari hanzvadzi yangu auye andibikire chingwa chakaisvonaka ndichiona, kuti ndigodya zvichibva mumaoko ake.”

7. Dhavhidhi akatumira shoko kuna Tamari kumba kwamambo akati, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umugadzirire zvokudya.”

8. Zvino Tamari akaenda kumba kwaAmunoni hanzvadzi yake, uyo akanga akarara pasi. Akatora mukanyiwa, akakanya, akaumba chingwa uye akachibika iye achiona.

9. Akatora pani ndokumupa chingwa, asi iye akaramba kudya. Amunoni akati, “Vanhu vose ngavabude muno.” Saka vanhu vose vakabuda.

10. Amunoni ndokubva ati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muno mumba mangu mokurara ndidye zvichibva muruoko rwako.” Zvino Tamari akatora chingwa chaakanga abika akaenda nacho mumba yokurara yehanzvadzi yake Amunoni.

11. Asi akati achimupa kuti adye, iye akamubata akati, “Uya urare neni, hanzvadzi yangu.”

12. Iye akati kwaari, “Kwete, hanzvadzi yangu! Usandichinya. Chinhu chakadai hachifaniri kuitwa muIsraeri! Usaita chinhu chakaipa zvakadai.

13. Ko, ini ndichavei? Uchava somumwe wamapenzi akaipa muIsraeri. Ndapota, taura namambo; haangamborambi kuti ndiroorwe newe.”

14. Asi iye akaramba kumuteerera, uye nokuti akanga ane simba kumudarika, akamubata chibharo.

15. Ipapo Amunoni akabva amuvenga nokuvenga kukuru kwazvo, akamuvenga kupfuura kumuda kwaaiva ambomuita. Amunoni akati kwaari, “Muka uende!”

16. Iye akati kwaari, “Kwete! Kundidzinga muno kwakashata kudarika zvawatondiita nechakare.” Asi iye akaramba kumuteerera.

17. Akadana muranda wake akati kwaari, “Dzinga mukadzi uyu abve muno uye ukiye mukova kana achinge abuda.”

18. Ipapo muranda wake akumubudisa panze akakiya mukova shure kwake. Akanga akapfeka nguo yaikosha zvikuru yaipenya, nokuti ndidzo nguo dzaipfekwa navanasikana vamambo vaiva mhandara.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 13