Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 1:16-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Nokuti Dhavhidhi akanga ati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro pako. Muromo wako ndiwo wazvipupurira pawati, ‘Ndauraya muzodziwa waJehovha.’ ”

17. Dhavhidhi akaimba rwiyo urwu rwokuchema Sauro nomwanakomana wake Jonatani,

18. uye akarayira kuti vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo urwu rwouta (rwakanyorwa mubhuku raJashari):

19. “Haiwa Israeri, kubwinya kwako kwaparadzwa pamitunhu yako yakakwirira. Haiwa, vane simba wawira pasi sei!

20. “Musazvireva muGati, musazviparidza mumigwagwa yeAshikeroni, kuti vanasikana vavaFiristia vasazofara, kuti vanasikana vevasina kudzingiswa varege kupembera.

21. “Haiwa imi makomo eGiribhoa, ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda inobereka zviyo zvakawanda. Nokuti ipapo ndipo pakasvibiswa nhoo yemhare, iyo nhoo yaSauro, isisina kuzorwa mafuta.

22. Kubva muropa ravakaurayiwa, kubva munyama yemhare, uta hwaJonatani hahuna kudzoka, munondo waSauro hauna kudzoka usina kugutswa.

23. “Sauro naJonatani, muupenyu vaidikanwa uye vakanaka, nomurufu havana kuparadzaniswa. Vaimhanya kupfuura makondo, vaiva vakasimba kupfuura shumba.

24. “Haiwa vanasikana veIsraeri, chemai nokuda kwaSauro, iye aikupfekedzai zvishongo zvitsvuku uye zvakaisvonaka, aishongedza nguo dzenyu nezvishongo zvegoridhe.

25. “Haiwa vane simba vawira pasi sei muhondo! Jonatani avete aurayiwa pamitunhu yenyu yakakwirira.

26. Ndiri kutambudzika kwazvo pamusoro pako, Jonatani munun'una wangu; wakanga uchikosha kwazvo kwandiri. Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaishamisa kudarika rwavakadzi.

27. “Haiwa vane simba vakawira pasi sei! Zvombo zvehondo zvaparadzwa!”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 1