Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 3:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Soromoni akatanga kuvaka temberi yaJehovha muJerusarema pagomo reMoria, apo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi. Pakanga pari paburiro raArauna muJebhusi, nzvimbo yakapiwa naDhavhidhi.

2. Akatanga kuvaka pazuva rechipiri mumwedzi wechipiri mugore rechina rokutonga kwake.

3. Nheyo dzakaiswa dzakanga dziri makubhiti makumi matanhatua pakureba uye makubhiti makumi mavirib paupamhi hwayo (kana tichishandisa kubhiti rechiero chakare).

4. Biravira rapamberi petemberi rakanga rakareba makubhiti makumi maviric pamberi paupamhi hweimba uye rakanga rakareba makubhiti makumi maviri kuenda mudenga. Akafukidza mukati mayo negoridhe rakaisvonaka.

5. Akaroverera muimba huru mapuranga emipaini akaifukidza negoridhe rakaisvonaka akaishongedza nemiti yemichindwe nezvishongo zvengetani.

6. Akashongedza temberi namatombo anokosha. Uye goridhe raakashandisa raiva goridhe rokuParivhaimi.

7. Akafukidzawo matanda edenga magwatidziro, madziro, namakonhi etemberi negoridhe, uye akavezera makerubhi pamadziro.

8. Akavaka Nzvimbo Tsvene-tsvene, kureba kwayo kwaienderana noupamhi hwetemberi makubhiti makumi maviri urefu hwayo uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri. Akafukidza mukati mayo namatarenda mazana matanhatud egoridhe rakaisvonaka.

9. Zvipikiri zvegoridhe zvairema mashekeri makumi mashanue. Akafukidzawo nzvimbo dzokumusoro negoridhe.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 3