Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 29:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “Ndokusaka madzibaba edu akaurayiwa nomunondo uye vanakomana navanasikana vedu navakadzi vedu vava muutapwa.

10. “Zvino ndinoda kuita mhiko naJehovha, Mwari waIsraeri; kuitira kuti kutsamwa kwake kunotyisa kubve kwatiri.

11. Vanakomana vangu, musava vanhu vasina hanya zvino, nokuti Jehovha akakusarudzai kuti mumire pamberi pake, uye mumushandire, kuti mushumire pamberi pake uye mupise zvinonhuwira.”

12. Ipapo vaRevhi ava vakasimuka vakashanda: kubva kuvaKohati, Mahati mwanakomana waAmasai naJoere mwanakomana waAzaria; kubva kuvaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi naAzania mwanakomana waJeharereri; kubva kuvaGerishoni, Joa mwanakomana waZima naEdheni mwanakomana waJoa;

13. kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shimiri naJeyeri; kubva kuzvizvarwa zvaAsafi, Zekaria naMatania;

14. kubva kuzvizvarwa zvaHemani, Jehieri naShimei; kubva kuzvizvarwa zvaJedhutuni, Shemaya naUzieri.

15. Pavakaunganidza hama dzavo vakazvinatsa, vakapinda mukati kuti vachenese temberi yaJehovha sokurayira kwakanga kwaitwa namambo, vachitevera shoko raJehovha.

16. Vaprista vakaenda munzvimbo tsvene yaJehovha kuti vandoichenesa. Vakabudisira kuchivanze chetemberi yaJehovha zvose zvakanga zvisina kuchena zvavakaona mutemberi yaJehovha. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kuMupata weKidhironi.

17. Vakatanga kunatsa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga uye pazuva rorusere romwedzi vakasvika pabiravira raJehovha. Kwamamwezve mazuva masere vakanatsa temberi yaJehovha pachayo, vakapedza nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga.

18. Ipapo vakaenda kuna mambo Hezekia vakandomuzivisa kuti: Tachenesa temberi yaJehovha yose, aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose, netafura yekuisira chingwa chakatsaurwa, nemidziyo yayo yose.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 29