Vaprista vakaenda munzvimbo tsvene yaJehovha kuti vandoichenesa. Vakabudisira kuchivanze chetemberi yaJehovha zvose zvakanga zvisina kuchena zvavakaona mutemberi yaJehovha. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kuMupata weKidhironi.