Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 24:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Asi ivo vakamupandukira uye nokurayira kwaMambo vakamutaka namabwe kusvikira afa, muchivanze chetemberi yaJehovha.

22. Mambo Joashi haana kurangarira tsitsi dzaJehoyadha baba vaZekaria dzavakanga vamuratidza, asi akauraya mwanakomana wake, uye iye paakanga ava kufa akati, “Jehovha ngaazvione izvi uye aite kuti muzvidavirire.”

23. Pakupera kwegore hondo yeAramu yakauya kuzorwisa Joashi; yakapamba Judha neJerusarema uye ikauraya vatungamiri vose vavanhu. Vakatumira zvavakanga vapamba zvose kuna mambo wavo kuDhamasiko.

24. Kunyange zvazvo hondo yavaAramu yakange ine varume vashomashoma, Jehovha akaisa hondo huru kwazvo mumaoko avo. Nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, kutongwa kwakaiswa pamusoro paJoashi.

25. VaAramu pavakazodzokera shure vakasiya Joashi akuvara zvakanyanya. Machinda ake akarangana akamupa mhosva yokuuraya mwanakomana waJehoyadha muprista, vakamuuraya akarara panhoo yake. Saka akafa akavigwa muGuta raDhavhidhi asi kwete mumakuva amadzimambo.

26. Avo vakarangana pamusoro pake vaiti Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mudzimai wechiAmoni, naJehozabhadhi, mwanakomana waShimiriti muMoabhu.

27. Nhoroondo dzavanakomana vake, nezvakaprofitwa pamusoro pake nezvakanyorwa pamusoro pokuvandudzwa kwetemberi yaMwari zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 24