Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 24:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhiya uye vaibva kuBheerishebha.

2. Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJohayadha muprista.

3. Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana.

4. Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha.

5. Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo.

6. Naizvozvo mambo akadaidza Jehoyadha muprista mukuru akati kwaari, “Sei usina kutuma vaRevhi kuti vauyise kubva kuJudha neJerusarema mutero wakarayirwa naMozisi muranda waJehovha neungano yeIsraeri weTende reChipupuriro?”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 24