Ipapo Jehoyadha akaisa temberi yaJehovha mumaoko avaprista, vaiva vaRevhi vakanga vapiwa mabasa naDhavhidhi, omutemberi, okupisira zvipiriso zvinopiswa zvaJehovha sezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, vachifara nokuimba, sokurayira kwakanga kwaitwa naDhavhidhi.