Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 23:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ipapo Jehoyadha akaita sungano yokuti iye navanhu namambo vachava vanhu vaJehovha.

17. Vanhu vose vakaenda kutemberi yaBhaari vakandoiparadza, vakaputsa aritari nezvifananidzo vakauraya Matani muprista waBhaari pamberi pearitari.

18. Ipapo Jehoyadha akaisa temberi yaJehovha mumaoko avaprista, vaiva vaRevhi vakanga vapiwa mabasa naDhavhidhi, omutemberi, okupisira zvipiriso zvinopiswa zvaJehovha sezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, vachifara nokuimba, sokurayira kwakanga kwaitwa naDhavhidhi.

19. Akamisazve vachengeti vamasuo pamasuo etemberi yaJehovha kuitira kuti pasawana uyo akanga asina kuchena nenzira ipi zvayo angapinda.

20. Akaenda navatungamiri vamazana, makurukota navatongi vavanhu navanhu vose venyika vakandotora mambo kubva kutemberi yaJehovha. Vakapinda mumuzinda neSuo Rokumusoro vakagarisa mambo pachigaro choumambo,

21. uye vanhu vose vomunyika vakapembera. Uye guta rakava norunyararo nokuti Atoria akanga aurayiwa nomunondo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 23